Genesisi 1

From Wikisource
Jump to navigation Jump to search

Genesisi 1

1 Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.

2 Paizve nyika yakanga isina kuwumbwa, iyezwe isina chinhu, nedima raiveriri pamusoro pemvura yakadzama, inyezwe Mweya waMwari wairindira pamusoro pemwura.

3 iyezwe Mwari akati, ngakuve ne chiedza: chiedza chikavepo.

4 Mwari akaona chiedza, kuti chaive chakarurama: Mwari akapatsanurisa chiedza kubva kudima.

5 Mwari akatumidza chiedza kuti Masikati, nedima akaritumidza kuti Wusiku. Kukave madeko, kukave mangwanani - zuva rekutanga.

6 Mwari akati, ngapave nedenga pakati pemwura, ngaripatsanurise mwura kubva kumwura.

7 Sa Mwari akagadzira denga, aka paranadzisana mwura dzaiva dziri pasipedenga kubva ku mwura dzaiva dziri pamusoro pedenga. Zvikaita saizozo.

8 Mwari akatumidza denga, kuti Matenga.Kukave madeko, kukave mangwanani - zuva rechipiri.

9 izwe Mwari aka, mwura dziri pasi pematenga ngadziungane panhu pamwe, iyezwe ivhu rakawoma ngarivepo, Zvikaita saizozo.

10 Mwari akatumidza ivhu rakawoma kuti Nyika, iyezwe mwura dzakaunganidza akatumidza kuti Magungwa: Mwari akaona kuti zwakanga zvakarurama.

11 Mwari akati Nyika ngaimerese uswa, muriwo inobereka mhodzi, nemiti yemuchero inobereka muchero yerudzi rwayo inemhozi mairi, panyika: Zvikaita saizozo.

12 Nyika ikabereka uswa, nemiriwo inobereka mhodzi yerudzi rwayo, nemiti inobereka michero inemhodzi mukati yerudzi rwayo: Mwari akaona kuti zwakanga zvakarurama.

13 Kukave madeko, kukave mangwanani - zuva rechitatu.

14 Mwari akati, ngakuve nezwiedza mudenga zvekupatsanurisa masika ne usiku, kuti zvive zviratidzo, nezve mwaka, nezvemazuva, nemakore:

15 Ngaave zviedza mudenga rematenga, kuti ape chiedza panyika, zvikava saizvozvo.

16 Iyezve Mwari akasika zviyedza zviyiri zvikuru; chiedza chikuru kuti chitonge masikati, chiedza chiduku kuti chitonge manheru, akasikazve nyenyedzi.

17 Mwari aka zvigadzika mudenga rematenga kuti zvipe chiedza panyika.

18 kuti zvitonge masikati neusiku, neku patsanurisa chiedza nerima: Mwari akaona kuti zwakanga zvakarurama.

19 Kukave madeko, kukave mangwanani - zuva rechina.

20 Iyezwe Mwari akati, mvura ngadzizare nezvipuka zvizhinji zvine hupenyu, ne shiri dzinobhururuka pamusoro penyika mudenga rematenga.

21 Mwari aka sika mhuka huru dzemugungwa, ne zvipuka zwose zvine upenyu ne zvino famba, izvo mvura dwanga dzizere nazvo nemarudzi adzo, iyezve dzose shiri dzine mapapiro nemarudzi adzo: Mwari akaona kuti zwakanga zvakarurama.

22 Mwari akadziropafadza, achiti, berekai, muwande, muzadze mvura dzemangungwa, neshiri ngadziwande panyika.

23 Kukave madeko, kukave mangwanani - zuva rechishanu.

24 Mwari akati, nyika ndayi bereke zvipuka zvine hupenyu namarudzi azvo, mombe, ne zvino kambaira, ne mhuka dzepanyika ne marudzi adzo: zvikaita saizvozvo.

25 Mwari aka sika mhuka dzose dzapanyika ne marudzi adzo, mombe namarudzi adzo, nezvose zvinofamba panyika nama rudzi adzo: Mwari akaona kuti zwakanga zvakarurama.

26 Mwari akati, Ngati sikei munhu mumufananidzo wedu, muchimiro chedu: iyezve ngavane nehutongi pumusoro pehove dzegungwa, ne shiri dzemu mhepo, ne mombe, ne pasi rose, ne zvose zvinhu zvino famba pa nyika

27 Saka Mwari aka sika munhu mumufananidzo wake, mumufananidzo waMwari aka sika munhu; murume no mukadzi aka vasika.

28 <<still to do>>

29

30

31