3 Johane 1

From Wikisource
Jump to navigation Jump to search

3 Johane 1

1 Mukuru, kuna mudikani Gaius, wandinoda muchokwadi.

2 Mudikani, ndino shuvira pamuso pezvese kuti ubudirire nekuva nehutano, seku kubudirira kwemweya wako.

3 Ndakafara zvikuru, pakauya vatendi vakapa chapupu chechokwadi chirimauri, se kufamba kwako muchokwadi.

4 Handina mufaro mukuru uno kunda kudzva kuti vanavangu vano famba muchokwadi.

5 Mudikani, uno itira pakutendeka zvose zvaunoitira hama nevaenzi;

6 vakapa huchapupu werudo rwako pamberi pekereke: ukavaperekedza nemutowo wakafanira mwari, unenge waita zvakarurama.

7 nokuti pamusoro pezita rake vakaenda, vasinga tore chinhu kubva kune avo vasingatendi.

8 naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadai, kuti tive vabatsirani muchokwadi.

9 Ndakanyorera kukereke: asi Diotrephes, anoda hukuru pakati pavo, haatigamuchire.

10 Saka, kana ndikauya, ndicha rangarira mabasa ake anoita, nemakuhwa anotiitira nemashoko akaipa: asnga gutse naizvozvo, iye pachake haatambi vatendi, uyezve anorambidza vaye vanenge vachida, achivadzinga kubva mukereke

11 Mudikani, usa tevezvere zviya zvakaipa, asi zviya zvakanaka. Uya anoita zvakanaka ndewekuna Mwari: asi uya anoita zvakaipa hana kuona Mwari.

12 Demetrius, ane chapupu chakana chevanhu vose, uyezve chechokwadi pachacho: nesuwo tino pupura wo; imi munoziva kuti chapupu chedu ndechepachokwadi.

13 Ndaive ndine zvinhu zvizhingi zvandaida kunyora, asi handisi kuzo kunyorera ne inki nechinyoreso:

14 Asi ndinotarira kuti ndichachimbidza kukuona, iyezve tichataurirana nemiromo.

15 Runyararo kwauri. Shamwari dzedu dzinokukwazisa. Kwasisa shamwari [dziriikoko] nezita.